Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero Dzevanhu Vocherechedza International Human Rights Day Vakachengetedzwa Nemapurisa


Mapurisa neMuvhuro akatadzisa sangano reZimbabwe Human Rights Association kunyatsocherechedza zuva rekodzero dzevanhu pasi rose, reInternational Human Rights Day.

Sangano iri rapihwa nemapurisa maminitsi makumi vaviri chete ekucherechedza zuva iri muHarare. Zuva reInternational Human Rights Day rinocherechedzwa pasi rose musi wa 10 Zvita, uye izvi zvakatanga kuitwa muna 1948 apo pakaparurwa gwaro reDeclaration of Human Rights ne General Assembly ye United Nations.

Sekutaura kuri kuita Irwin Chifera, VaMugabe vakashorwa zvikuru kumusangano wakapera neSvondo kuLisbon we European Union – African Union Summit, nepamusana pekutadza kutonga zvakanaka, pamwe nekutyora kodzero dzevanhu kwavari kuita munyika.

Ukuwo Zimbabwe Exiles Forum yabuditsawo mashoko ekukurudzira pasi rose kuti ribatsirewo vanhu vemuZimbabwe. ZEF inoti iri kushushikana nechisimba chiri kushandiswa nemapurisa nemauto, vachibatsirwa nevechidiki mu ZANU-PF, mukushungurudza vanopikisa mabasa ehurumende, avo vanosanganisira vezvematongerwo enyika, magweta, nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu.

Ukuwo vanorwira kodzero dzevanhu muZimbabwe vanoti hurumende yakoniwa zvachose kuremekedza chisungo cheUniversal Declaration for Human Rights. United Nations inoti dindingira regore rino rinoti “Dignity and Justice for All”.

Mutori wenhau dzeStudio7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naMuzvare Jestina Mukoko, Director ve Zimbabwe Peace Project, avo vanoti vari kuonawo zvakare dambudziko panyaya yekurwisana mukati memapato eZANU-PF ne MDC.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG