Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanosvika kuLisbon Kumusangano weEU-AU


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasvika muLisbon, kuPortugal, kumusangano weEuropean Union-African Union Summit, uyo uri kutanga nemusi weMugovera.

Zvinonzi panhandare yendege panga pakachengetedzwa zvikuru. Kuenda kwaVaMugabe kumusangano uyu, kuri kushoropodzwa zvikuru nenyika dzakaita seBritain neSpain.

Mutungamiri weBritain, VaGordon Brown, vakaramwa kuenda kumusangano uyu kana VaMugabe variko. Mutungamiri weZambia, VaLevy Mwanawasa, neChitatu vakashoropodza pfungwa yaVaBrown yekuramwa kuenda kumusangano uyu, vachiti VaBrown vaifanirwa kuenda kumusangano uyo kuitira kuti vaudze VaMugabe zvavanofunga.

Mumwe mukuru muhurumende yeSouth Africa, VaGert Gobler, vakatiwo nyika dzemuAfrica hadzigoni kudzivisa E-U kuti isakurukura nyaya yeZimbabwe, kunyange hazvo nyaya yeZimbabwe isiri pahurongwa hwemusangano uyu.

Mumwe vevari kumirira masangano akazvimirira oga uye vachishanda nesangano reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, VaSydney Chisi, avo vari kuLisbon vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kana vatori venhau varambidzwa kuona VaMugabe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG