Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inonzi Iri kuita Vanhu Kafiramberi


Sangano reOpen Society Institute iro rinobatsira nemari pasi rose, rinoti hurumende yaVaMugabe iri kuenderera mberi netsika yayo yekuita vanhu kafiramberi uye kushandisa mhirizhonga apo nyika yatarisana nesarudzo dzegore rinouya.

Muongororo yakaitwa navana chiremba vachishanda nesangano reOpen Society Institute of Southern Africa, sangano iri rinoti vanhu vakawanda vari kurohwa nemapurisa, maCIO uye vamwe vakarerekera kuhurumende yaVaMugabe.

Zvinonziwo magweta uye vana chiremba vanenge vachida kubatsira vanhu ava, naivo vari kuitwawo kanyama kanyama.

VaOtto Saki gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights.

VaSaki vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMugabe vanofanira kumiswa kuita katsika aka.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG