Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoshora MDC Mabatiro Airi Kuita Mai Matibenga


ZCTU inoti yakakatyamadzwa zvikuru nedanho rakatorwa neMDC rekubvisa Amai Lucia Matibenga pachigaro cheWomen’s Assembly.

ZCTU inoti izvi hazvina musoro, uye hazviratidziki kufunga kwakadzama munguva iyo nyika yakatarisana nesarudzo. Sangano revashandi iri rati richamira naAmai Matibenga sezvo vari nhengo yavo yakabva muvashandi.

ZCTU yatiwo kubvisa Amai Matibenga pachigaro, chiratidzo chekuti bato iri rava kukanganwa kuti rakabva muvashandi.

Munyori mukuru wesangano iri, VaWellington Chibebe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mamwe madzimai eWomen’s Assembly, ari kuzama kukwezva madzimai esangano ravo kuti vavatsigire.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG