Accessibility links

Breaking News

ZESN Inoti Mitemo Yesarudzo Yoga Haigoni Kuunza Sarudzo Dzakachena


Sangano reZimbabwe Election Support Network, rinoti kushandura mutemo wesarudzo chete, hakuna zvakunobatsira kana zvimwe zvinhu zvese zvisina kushanduka munyika.

Mugwaro ravo rinongorora Electoral Laws Amendment Bill, ZESN inoti kana bhiri iri rikave mutemo, zvakakodzera kuti Zimbabwe Electoral Commission iumbwe nevanhu vasina divi ravakarerekera, uye kuti isatungamirwe nevanhu vakambenge vari muchiuto.

ZESN inoti inotambira nemufaro zvimwe zviri mubhiri iri. Semuenzaniso bhiri iri riri kuti kutyisidzira vamwe munguva yesarudzo imhosva huru.

Gwaro re ZESN rinoti zvakare zvakakodzera kuti bhiri iri, ribate zvakakwana, nyaya dzinosanganisira dze voter's roll, kudzidziswa kwevanhu nezvesarudzo, nyaya dzema ballot papers, nyaya dzevavhoti vasingagone kunyora kana vakaremara, nyaya dzekutorwa nekuburitswa kwemashoko esarudzo nedzinhepfenyuro kana vemapepanhau, nyaya dzevanoongorora sarudzo, nyaya dzema electoral courts, kutarwa kwemiganhu nenyaya dzemari yesarudzo.

VaFarai Maguwu ndivo Executive Director ve Centre for Research and Development.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaMaguwu kuti tinzwe pfungwa dzavo paongororo yeZESN iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG