Accessibility links

Breaking News

Chibebe: ZCTU Haineyi Nehurukuro Dziri Pakati peZanu PF neMDC


Sangano revashandi reZCTU rinoti harisi kufara nekusiiwa kwarakaitwa panyaya dzekutaurirana pakati pemapato ezvematongerwo enyika. Sangano iri rinoti, nokudaro harichineyi nenhaurirano dziri kuitwa pakati peMDC neZanu PF, idzo dziri kutungamirirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

ZCTU inoti vezvematongerwo enyika ndivo vakaona zvakakodzera kuti vapinde munhaurirano idzi vega, vachisiya mamwe masangano akaita seravo, izvo zvavasiri kuwirirana nazvo.

Munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti havaoni nhaurirano idzi dzichienda mberi, vachitarisa ukama huri pakati peZimbabwe neSouth Africa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG