Accessibility links

Breaking News

Hurongwa Hwekuforera VaMugabe Hotsviriridza muZanu PF


Vari kuronga hurongwa hwe“One Million Men and Women March”, hwekuti vanhu vafore mumigwagwa yemuHarare neChishanu vachitsigira kuti VaMugabe vave ivo vachamirira Zanu-PF musarudzo dzegore rinouya, vanoti hurongwa hwavo huri kufamba zvakanaka chose.

Hurongwa uhu huri kutungamirwa nesangano rema war vets, uye vanhu vari kutarisirwa kubva kumatunhu ose emunyika, sezvo vachatakurwa nezvitima nemabhazi pachena.

Sangano revashandi reZimbabwe Federation of Trade Unions rakaburitsawo gwaro rekukurudzira vashandirwi kuti vape vashandi vavo mvumo yekupindawo mukufora uku.

National Commissar musangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaVictor Matemadanda, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanotarisira kuti vanhu vakawanda vachabatana navo zvisinei kuti izuva rebasa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG