Accessibility links

Breaking News

Pastor Kapachawo Vanopihwa Mubairo weAuxilia Chimusoro Award


Pastor Maxwell Kapachawo vapihwa neChina mubairo weAuxilia Chimusoro, mushure mekunge vaonekwa kuti ndivo munhu akabuda pachena zvakanyanya achitaura nezvekuva neHIV. Pastor Kapachawo vapihwa mubayiro uyu pasi pechirongwa chechinomwe cheAuxilia Chimusoro Awards, icho chaitirwa muHarare. .

Mubayiro weChipiri muchikamu ichi, waenda kuna VaDavis Mazodze, avo vanodzidzisa pa United College of Education muBulawayo.

Vamwe vapihwa mibayiro nhasi vanosanganisira Sister Pia Chikava, avo vapihwa mubayiro we Orphaned and Vulnerable Children and Youths Award, kambani ye Platinum Mines, iyo yapihwawo mubayiro we Corporate Responsibility, pamwe nesangano re Patsime Redu Entertainment Trust, iro rapihwa mubayiro weMedia, Arts and Culture Awards.

Mibayiro iyi yapihwa nesangano re United States Agency for International Development, kana kuti USAID, iro rakaronga chirongwa chaitwa muHarare.

Sangano iri rinoti hurumende ye America inoshandisa mari inodarika mamiriyoni makumi matatu emadhora eku America pagore rega rega mukubatsira kurwisa chirwere che HIV/AIDS.

Mumiriri we America muZimbabwe, Ambassador James McGee, pamwe negurukota rezve hutano, Doctor David Parirenyatwa, vamwe vevakuru vakuru vanga vari pamhemberero dzaitwa idzi.

Mibayiro ye Auxilia Chimusoro Awards inoitwa semucherechedzo wemabasa amuchakabvu Auxilia Chimusoro, avo vakabuda pachena kuti vaive ne HIV muna 1987, apo vanhu vaitya kubuda pachena.

Vamwe vakawana mibayiro iyi makore apfuura, vanosanganisira mutori wenhau, Sarah Tikiwa, muimbi ane mukurumbira, Oliver Mutukudzi, Chiremba Paul Chimedza, komiti yeparamende inoona nezve hutano, pamwe nebhanga re Kingdom.

Tichiri panyaya yezve HIV/AIDS, vamwe vemabhizimisi nevanorarama neHIV/AIDS, vanoti chirongwa chehurumende chekuedza kukwezva vemakambani kuti vashande pamwe chete nayo mukusimbaradza zvirongwa zvekubatsira vanorarama neHIV/AIDS, chakanaka, asi chingangokundikana, sezvo hupfumi hwenyika husina kumira zvakanaka.

NeChitatu, bazi rezvevashandi rakaparura chirongwa cheNational HIV/AIDS Strategic Framework, icho chichaitwa kwemakore matatu anotevera, sezvo hurumende iri kuti makambani haasi kuita zvakakwana pakutsvaga nzira dzekudzivirira, kurapa, pamwe nekuchengetedza vashandi, munyaya dzeHIV/AIDS.

Mai Maria Masunga, ndivo group health education officer ve ZB Financial Holdings, imwe yemakambani anobatsira vashandi panyaya dzeHIV/AIDS.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naMai Masunga, kuti tinzwe zvavanofunga nezve hurongwa hwehurumende uhu.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG