Accessibility links

Breaking News

Bazi Rehutano Roshushikana Netsvina Iri Mumvura Inobva kuZINWA


Bazi rinoona nezvehutano neChipiri rakaudza makomiti eparamemnde kuti mvura iri kunwiwa mumaguta, haina kuchena uye, bazi iri rava kutyira kuti mvura iyi inogona kurwarisa vanhu.

Pamusangano wekuzeya mashandiro eZINWA waitwa nemakomiti eparamende anoona nezvehutano, pamwe nezvematunhu Chirpiri mangwanani, ZINWA inonzi yabvuma kuti haisi kukwanisa kuchenesa zvakakwana mvura mudzimwe nzvimbo mumaguta nekuda kwezvimhingamupini zvayakatarisana nazvo. Asi ZINWA yati haioni mvura iyi ichirwarisa vanhu.

Veruzhinji vawanawo mukana wekutaura pfungwa dzavo, uye vazhinji vanonzi vanyunyuta zvikuru nemashandiro eZINWA kubva payakatora mabasa ezvekufambiswa kwemvura mumaguta anosanganisira Harare, Bulawayo, Mutare ne Marondera.

Kutsutsumwa kweveruzhinji uku, kunosanganisirawo kusafara kwavo nemari dzavari kubhadhariswa neZINWA, idzo vanoti dzakawandisa, uye hadzienderani nemabatirwo ari kuitwa basa ne ZINWA.

Kuti tinzwisise zvaitika pamusangano weChipiri, mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro nasachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvehutano, VaBlessing Chebundo.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG