Accessibility links

Breaking News

Mai Kinnock Vokomekedza Nyika dze ACP-EU Kutsiura VaMugabe


Mutungamiri wesangano reACP-EU joint parliamentray session, Amai Glennys Kinnock, vazivisa kuti nyika dzekunze dzinofanira kuramba dzichitaura uye kuudza hurumende yaVaMugabe kuti iitewo zvinotarisirwa nedzimwe nyika.

Amai Kinnock vataura mashoko aya kuKigali, Rwanda, uko kuri kuitirwa musangano weACP-EU. Vari kumirira Zimbabwe kumusangano uyu vanosanganisira maseneta maviri eZanu-PF, Amai Clarisa Muchengeti pamwe naVaForbes Magadu. Ukuwo MDC iri kumirirwa naVaNelson Chamisa.

VaChamisa vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti vakawanda vari kutenderana kumusangano uyu kuti VaMugabe varasika gwara.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG