Accessibility links

Breaking News

Dare Rosudurutsa VaMahoso Pakuzeyiwa Kwerezenisi reANZ


Vakafanobata chigaro cha Chief Executive Officer ve ANZ, kambani yaidhinda mapepanhau e The Daily News, pamwe ne The Daily News on Sunday, VaJohn Gambanga, vanoti kambani yavo ikapihwa rezenisi yekudhinda mapepanhau ayo, zvinovatorera svondo rimwe chete kuti vatange kudhinda mapepanhau avo.

VaGambanga vanoti magweta avo akanyorera boka reMedia and Information Commission, MIC, vachibvunza zuva richanzwikwa nyaya yekambani yavo.

Mashoko aVaGambanga anotevera vimbiso yakapihwa negurukota rinoona nezve kuburitswa kwemashoko, Doctor Sikhanyiso Ndlovu, chekuti bhodhi re MIC richaongoro zvakare nyaya yekupa kambani yeANZ rezenisi rekudhinda mapepanhau ayo.

VaNdlovu vakati bhodhi richazeya nyaya yeANZ, richange risina sachigaro veMIC, Doctor Tafataoana Mahoso, pamwe naVaPascal Mukondiwa, sezvo vakanzi nedare maoko avo akasviba panyaya iyi.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaGambanga pamusoro penyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG