Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Kunyimwa Mari Kwakaitwa Zimbabwe neGlobal Fund


Mushure mekunge sangano reGlobal Fund to Fight AIDS, Tuberculosis TB and Malaria ranyima Zimbabwe mari mu Round Seven, hurumende inoti Global Fund haina kubata nyaya yechikumbiro cheZimbabwe nenzira kwayo, uye nyaya iyi yave nezve matongerwo enyika mukati.

Mutungamiri we AIDS and TB Unit mubazi rezveutano, Dr Owen Mugurungi, vanoti zvimwe zviri kunyanyoshungurudza hurumende ndezvekuti Global Fund ndiyo yakatadza kuita basa rayo, nepamusana pekunonoka kwayo kupa Zimbabwe mari yayakapihwa mu Round One ne Round Five.

Zvichakadaro, vanorwira kodzero dzevanorarama nehutachiwana hwe HIV/AIDS, vari kuzeya zvikonzero zviri kutaurwa nehurumende nesangano reGlobal Fund, maererano nekunyimwa kwakaitwa Zimbabwe mari, pamwe nekusaendeswa kwechikumbiro chemari yekurwisana neHIV/AIDS.

Zimbabwe yakakumbira mari inoita US$25.5 million yekurwisana neTB, uye yakati inoda mari inosvika US$48.5 million yekurwisanawo neMalaria.

Hurumende inoti Global Fund iri kuvanyima mari nepamusana pezvematongerwo enyika. Asi Global Fund iri kuramba mashoko aya, ichiti, panewo zvimwe zvisina kuvagutsa, pachikumbiro chakaendeswa neZimbabwe.

VaFrenk Guni vanorwira kodzero dzevanorarama neHIV/AIDS, uye vanoshanda nemasangano anoona nezveHIV/AIDS epasi rose, vakazvimirira voga.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVaGuni, pamwe naVaTapiwanashe Kujinga, avo vanorwira kodzero dzevanorarama ne HIV/AIDS, kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG