Accessibility links

Breaking News

Inflation Yoramba Yakarova Chamurambamhuru


Inflation inonzi yakwira zvikuru kubva pa 7, 892%, kusvika pa 14, 841% mumwedzi waGumiguru. Mapepanhau eZimbabwe Independent pamwe neBloomberg anoti inflation iyi yakabuditswa zvisiri pamutemo nevamwe vashandi vemuCental Statistical Office, kana kuti CSO.

Izvi zvinotevera kunonoka kubuda kwe inflation yaifanira kunge yakabuda musvondo rekutanga remwedzi. Mutungamiri weCSO, VaMoffat Nyoni, havana kuda kutaura zvakawanda, vachiti zvave kuvaomera kuona kuti inflation yava papi nekuti muzvitoro hamuna zvinhu.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachitungamira Coronation Financial Holdings kuBritain, Va Lance Mambondiani, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti hurumende infanira kugadzirisa mamiro ezvehupfumi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG