Accessibility links

Breaking News

African Commission Youdza A-U Kuti Igadzirise Nyaya yeZimbabwe


Mutevedzeri wasachigaro weAfrican Commission, VaYasah Al Hassan, vashoropodza neChina zviri kuitika muZimbabwe, vachiti iyi inyaya inonyadzisa, uye inofanirwa kugadziriswa nekukurumidza.

Va Al Hassan vanoti African Union inofanirwa kupindira nekukurumidza panyaya yeZimbabwe. Va Al Hassan vataura izvi pamusangano weAfrican Commission uyo watanga nhasi ku Congo Brazaville. Chinangwa chemusangano uyu ndechekuzeya nyaya dzekodzero dzevanhu muAfrica.

Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukuro negweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaGabriel Shumba, kuti tinzwe zviri kubuda kumusangano uyu.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG