Accessibility links

Breaking News

Komisheni Yemitengo Yoomesa Musoro


Sachigaro weNational Incomes and Pricing Commission, VaGodwills Masimirembwa, vanoti hapana muzvinabhizimisi achatenderwa kutenga mari pamukoto, kutenga zvinhu zvekunze zvekutengesa munyika, uye kukwidza mitengo isina kutarwa nesangano ravo.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti zvinhu zvichatonyanya kuoma nemitemo mitsva iyi, uye vakawanda vachaziya nenzara.

VaMasimirembwa vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vakatoita misangano nevemabhizimisi nezvenyaya iyi.

Asi mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce, Mai Marah Hativagone, vanoti mitemo yakadai ichakonzera kuti vanhu vatoramba vachinonga svosve nemuromo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7..

XS
SM
MD
LG