Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yetsvarakadenga Dzekumaruwa Yotsviriridza


Nyaya yetsvarakadenga dzekumaruwa dziri muchirongwa cheMiss Rural Zimbabwe, yaramba ichitsviriridza zvichitevera kutiza kwakaita vasikana vaviri, Sinikiwe Nyikayaramba naTariro Chisuvi, vachinopotera kuGirl Child Network vachiti vaisabatwa zvakanaka.

Vasikana ava vanzi vari kutiwo vaimanikidzwa nemukuru wechirongwa ichi, Amai Sipho Ncube-Mazibuko, kuita zvisakafanira. Asi Amai Ncube-Mazibuko vati zvose izvi zviri kuitwa nechinangwa chekusvibisa zita ravo.

Vanoona nezve kuburitswa kwemashoko muGirl Child Network, VaKamurai Mudzingwa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vachiri kuunganidza umbowo hwekushungurudzwa kwakaitwa vasikana ava.

Ukuwo mumwe wevasikana vari muchirongwa chetsvara kadenga dzinobva kumaruwa ichi, uyo asina kuda kudomwa nezita rake, ati zvinhu zvakavanakira, uye vari kubatwa zvakanaka chose naAmai Ncube-Mazibuko.

Musikana uyu audza zvakare Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti zvose zviri kutaurwa manyepo ekuda kusvibisa zita rechirongwa ichi. Tatadza zvakare kubata VaKarikoga Kaseke muzuva rechitatu sezvo nhare dzavo dzanga dzichiramba.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG