Accessibility links

Breaking News

Kushungurudzwa Kwevanhu Kumaruva Koenderera Mberi


Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti vanhu vari mumaruva, vari kushungurudzwa munyaya dzezvematongerwo enyika.

Ongororo iri kuitwa nemamwe masangano ari pasi peZimbabwe Human Rights NGO Forum, inoratidza kuti kushungurudzwa uku, kuri kunyanya munzvimbo dzakaita sekuChikomba, Hwedza, Mudzi, Uzumba Maramba Pfungwe, Hurungwe nekuMatebeleland South neMatebeleland North.

Vanoonekwa vaine nhumbi dzeMDC vari kurohwa, kana kushungurudzwa nedzimwe nzira, uye mune dzimwe nzvimbo kuManicaland, vamwe vari kushungurudzwa, vanhu vari kupomerwa mhosva yekukokorodza vanhu kuti vateerera Studio 7.

Zimbabwe Peace Project inotiwo, vanhukadzi vaviri vakabatwa chibharo, uye ongororo yakaitwa nesangano iri, inoratidza kuti vari kunyanyoshungurudza vanhu kumaruva, vanhu vanozivikanwa kuti inhengo dzeZANU-PF, vachizoteverwa nevehurumende nevamwewo veMDC vashoma.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro na Muzvare Jestina Mukoko Director we ZPP avo vanoti vari kushungurudzika nezviri kuitika mumaruva.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG