Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Voters Roll Izere Nevanhu Vakafa


Bato reMDC rinoti hairisi kufara zvachose nemamiriro akaita gwaro revavhoti, kana kuti voters roll.

MDC inoti iri kutyira kuti vanhu vakafa, vari muhupoteri, pamwe nevana vadiki vanogona kuvhoteswa sezvaimboitika kare. Munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vanoti gwaro revavhoti ndiro rinowanzoshandiswa pakubiridzira sarudzo.

Nyaya iyi inonzi ichatsviriridza pachatanga hurukuro pakati peMDC neZanu-PF, idzo dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

Director of Elections muMDC, VaDennis Murira, vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti ZEC iri kuramba zvachose kuti vagadzirise dambudziko iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG