Accessibility links

Breaking News

Chimiro chaVaTsvangirai Choipiswa Nenyaya yeWomen's Assembly


Apo nhengo dze National Executive yeMDC dzakamirira kuudzwa zvakabuda musarudzo dzakaitirwa mu Fast Climbers Restaurant yaMuzvare Thokozane Khupe, Studio7 yakwanisa kuona gwaro rakanyorwa navakafanobata chigaro chasachigaro we MDC, VaLovemore Moyo.

Mugwaro ravo rakanyorwa musi wa 29 Gumiguru, VaMoyo vanoti vakadaidzira kuti musangano uchitanga na 12:15, kunyange hazvo paive nevanhu vayiita ruzha vari panze, izvo zvakapa kuti sarudzo idzi dzifambe nenzira yakaomarara.

VaMoyo vanoti vakatanga vaongorora kuti vanhu vainge vauya ku Extra- Ordinary Congress iyi, vaive nemvumo yekupinda mumusangano uyu. Mushure mekuona kuti zvinhu zvainge zviri mugwara, VaMoyo vanoti mutevedzeri wemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvematongorwe enyika, Va Morgan Komichi, vakachingamidza vanhu vainge vauya.

VaMoyo vanoti VaKomichi vakaudza madzimai aya chisungo chakanga chaitwa ne National Standing Committee, chekuparadza hutungamiri hwe Women’s Assembly. VaMoyo vakataurawo nezvechisungo che National Council, icho chakaitwa musi 28 Nyamavhuvhu, icho vanoti chakaitwa sezvo bazi remadzimai, rakange rovhiringa kufamba zvakanaka kwemusangano uyu.

VaMoyo vanoti vakabvunza madzimai kuti vaitambira here kuparadzwa kwehutungamiri hwe Women’s Assembly, vanhu vaive muFast Climbers vakabvumirana vose. VaMoyo vanoti vakakumbira madzimai kuti vaite sarudzo dze interim committee, uye madzimai aya akatambira kuti sarudzo idzi dziitwe, uye kuti komiti inenge yasarudzwa, itore chigaro kusvika muna 2011, apo pachaitwa Congress.

Mugwaro ravo, VaMoyo vanoti sarudzo idzi hadzina kuitwa sezvinodiwa nebumbiro remitemo ye MDC, secret balloting, nokuti pakashaya aikwikwidza mumwe. Nokudaro, VaMoyo vanoti hutungamiri hwe Women’s Assembly, hwakasarudzwa pasina anokwikwidzwa pazvigaro zvose zvisere zvakapihwa vanhu musi uyu.

Mumashoko avo ekutenda komiti yeWomen’s Assembly inotungamirwa naMai Theresa Makone, iyo yakasarudzwa kabisira mu Fast Climbers Restaurant, Muzvare Khupe vakati bato ravo rapindwa nevanhu vari kuda kuvhiringa MDC, vakati vanhu vakawanda vainge vakwidzwa mabhazi kuti vaone kuti MDC haipindi mumasimba ekutonga.

Kunyange hazvo VaMoyo vakati sarudzo idzi dzakaitwa nemazvo, madzimai akawanda haana kukwanisa kupinda mumusangano uyu, uye zvimwe zvinoshamisa ndezvekuti dzimwe nhengo dze National Standing Committee, hadzina kunge dzaudzwa nezvesarudzo idzi.

Vane ruzivo nezviri kuitika mu MDC vanoti kunyange hazvo VaTsvangirai vari kutsigira kusarudzwa kwaMai Makone, sarudzo idzi hadzina kuitwa nenzira kwayo.

National Executive yeMDC yaifanirwa kunge yakazeya nyaya ye Women’s Assembly nezuro, asi nyaya iyi yakasendekwa parutivi, uye hazvisati zvazivikanwa kuti ichazeyiwa riini.

Apo gakava pamusoro penyaya ye MDC Women’s Assembly, riri kuenderera mberi, Mai Lucia Matibenga, avo vanoti ndivo vachiri mutungamiri webazi iri, vanotiwo vatotanga kushambadzira, zvakasimba nezvebato ravo kumaruwa senzira yekugadzirira sarudzo dzegore rinouya.

Izvi zviri kuitika panguva iyo Mai Makoni, vari kutiwo ndivo mutungamiri weWomen’s Assembly, uye vaudzawo Studio 7 kuti vatotanga kuita basa sebasa, vachishambadzirawo bato ravo.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti, zviri kuitika izvi zviri kuramba zvichikanganisa chimiro chebato iri, sezvo National Executive isati yabvumirana panyaya yekuparadzwa kwakaitwa Women’s Assembly.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naMai Matibenga, nezvehurongwa hwavo, uye kuti tinzwe kana vachaenda zvakare kumatare edzimhosva.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG