Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Kuita Sarudzo Muna Kurume Kuchanetsa


Kunyange hazvo hurumende yaVaRobert Mugabe iri kuti sarudzo dziri kuzoenderera mberi muna Kurume gore rinouya, mapato anopikisa pamwe nemasangano akazvimirira oga anotiwo pane zvakawanda zvinoda kuti zviitwe sarudzo idzi dzisati dzaitwa.

Nyaya yekuita sarudzo dzisina kuchena pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu nehurumende, zvimwe zvezvinhu zviri kupa kuti nyika dzakawanda, zvikuru dzekumawirira, dzisadyidzane neZimbabwe.

Vakawanda vanotarisira kuti pada rwendo rwuno pachaitwa zvinogutsa munhu wese musarudzo, ndokunge nhaurirano dziri kuitwa pakati peMDC neZanu-PF dzabudirira.

Asi mubvunzo mukuru ndowekuti nemamiriro akaita zvinhu munyika, pangaitwa here sarudzo muna Kurume dzikakwanisa kuyananisa vanhu.

Mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu aita hurukuro naVaNoel Kututwa, sachigaro weZesn, pamwe nevanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaGlen Mpani avo vatenderana kuti kuita sarudzo nechimbi chimbi hakuna chakunobatsira.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG