Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti ZEC Inofanirwa Kumirira Kupera Kwenhaurirano Isati Yatanga Kutara Miganho


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rati Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, iyo inoona nezvesarudzo, haifanirwi kuenderera mberi nekucheka matunhu sezvo nhaurirano dzemapato dziri kuitwa kuSouth Africa dzisati dzapera.

ZEC yakatozivisa kuti yavamushishi kugadzirira kupatsanura matunhu mugadziriro yesarudzo dzegore rinouya, sezvo yakapiwa masimba nekusainwa kuve mutemo kweConstitutional Amendment Number 18.

Asi MDC yati nyaya yeZEC inofanirwa kukurukurwa nezvayo kuSouth Africa, sezvo nhengo dziri kuumba sangano iri dzakasarudzwa nehurumende yeZANU-PF.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti ZEC iripo inofanirwa kuputswa potsvagwa vanhu vasina kwavakarerekera.

Dzimwe nhau dzeStudio 7...

XS
SM
MD
LG