Accessibility links

Breaking News

International Bar Association Inoti Mapurisa Ari Kutyora Kodzero Dzevanhu


Bazi reInternational Bar Association, re Human Rights Institute, rinoti mapurisa emuZimbabwe ari kuramba achityora kodzero dzevanhu.

Mumashoko ari mugwaro raburitswa nesangano iri neChitatu, rinonzi “Partisan Policing: An Obstacle To Human Rights And Democracy In Zimbabwe.” Sangano iri rinoti mapurisa ari kutyora bumbiro remitemo yenyika, kuburikidza nekutyora kwaari kuita kodzero dzevanhu.

Gwaro iri rinotizve mapurisa ari kushungurudza vasungwa, pamwe nemagweta anenge achimirira vasungwa ava, uye mapurisa haaremekedzi mitongo yematare edzimhosva. Gwaro iri rinotiwo mapurisa emuZimbabwe akarerekera kuzvido zveZANU-PF.

Gwaro iri rinoti hurumende inofanirwa kuona kuti mapurisa aregedza kurambidza magweta kuti vaone vanhu vavanenge vakamirira, uye kuti iongorore mhosva dziri kupomerwa mapurisa dzekutyora kodzero dzevanhu. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa pamwe nehurumende panyaya iri kutaurwa nesangano iri.

Muzvare Anna Moyo igweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda neZimbabwe Exiles Forum.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza Muzvare Moyo kuti vanobvumirana here nezviri mugwaro re International Bar Association Human Rights Institute

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG