Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakuru muZanu PF Votsika Madziro Pakutorwa Kwemapurazi Evachena kuMash West


Humwe hutungamiri hweZanu PF kuMashonaland West hunonzi huri kuda kuti hurumende imise kutorwa kweminda mudunhu iri, kuitira kuti varimi vashoma vechichena vachiri kurima mudunhu iri, varambe varimo.

Zvinonzi pamusangano wakaitwa muChinhoyi nemusi weMuvhuro, hutungamiri uhu hwakabvumirana kutuma nhumwa kune mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoseph Msika, kuti inosvitsa chikumbiro ichi.

Nhumwa ichanosangana naVaMsika, mutauriri weZanu PF, Doctor Nathan Shamuyarira, avo vanobvawo mudunhu iri.

Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti izvi zvinongowira pasi, sezvo Zanu PF ichishandisa nyaya yevhu mukutsvaga rutsigiro. Vamwe vanoti chikumbiro ichi chinoburitsa makakatanwa ari mubato iri, sezvo vamwe vanenge vasingafarirwe nechimwe chikwata, vanogona kunge vari ivo vakatora minda yava kukonzera muchokoto mudunhu iri.

VaPedzisayi Ruhanya ndivo programs officer veCrisis in Zimbabwe Coalition.

VaRuhanya vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti havaoni Zanu PF ichi teerera chikumbiro ichi sezvo ichi shandisa nyaya yeminda kukwezva kusarudzwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG