Accessibility links

Breaking News

Voters Roll Yonetsa Munhaurirano dzeMDC neZanu-PF


Nyaya yenhaurirano pakati peMDC neZanu-PF inogona kukanganiswa nenyaya ye voters roll, iro rinonzi neMDC riri kuda kushandiswa neZanu-PF pakubiridzira sarudzo dzegore rinouya.

Nyaya iyi iri kutarisirwa kutsviriridza pachatanga nhaurirano dzakambomiswa nekuda kwekushaya kwemwana wegurukota rezve mitemo, VaPatrick Chinamasa, muno munoAmerica.

Mutumbi wemwana uyu uri kutarisirwa kusvika muZimbabwe neChishanu. Asi hapasi kuzivikanwa kuti nhaurirano idzi dzinozotanga riini. MDC inoti hofisi ya Registrar General haifaniri kunyoresa vavhoti, asi kuti izvi zviitwe nesangano risina divi rarakarerekera.

Nhaurirano idzi dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, avo vakatiwo muna 2005 voters roll yemuZimbabwe inoda kugadziriswa.

Munyori mukuru muMDC, VaTendai Biti, vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti havasi kufara nenyaya ye voters roll.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG