Accessibility links

Breaking News

MDC Yoshora Vatori Venhau Pamakakatanwa Ari Mubato Iri


Dzimwe nhengo dze MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, dziri kushora vatori venhau dzichiti zvavari kuburitsa zvakanangana nekusvibisa zita raVa Tsvangirai.

Nhengo idzi, idzo dzinosanganisira Va Eddie Cross, policy coordinatior mubato iri, dzinoti zviri kunyorwa nevatori venhau, zviri kuratidza kunge zvinhu zvaipisisa mu MDC.

Makakatanwa ari mubato iri akanyanyobuda pachena zvichitevera kuparadzwa kwakaitwa Women’s Assembly, iyo inotungamirwa naMai Lucia Matibenga, avo vanoti ndivo vachiri sachigaro.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVa Nelson Chamisa, mutauriri webato iri, kuti vatsanangure zvavari kupomera vatori venhau.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti, MDC ikatadza kugadzirisa kusawirirana kuri mubato iri, zvingangovakanganisa musarudzo dzegore rinouya. Ukuwo vanoongorora maburitsirwo enhau munyika vanoti MDC haifanirwi kunenera vatori venhau mhosva pagakava riri mubato iri.

Va Abel Chikomo ndivo Advocacy Cordinator ve Media Monitoring Project of Zimbabwe, sangano rinoongorora maburitsirwo enhau munyika.

Muhurukuro yavaita na Carole Gombakomba weStudio7, Va Chikomo vati kunyange hazvo paine mutsauko, pakati pemataurirwo ari kuitwa nyaya yegakava riri muMDC pakati pevatori venhau vehurumende neavo vakazvimirira voga, zviri kubuda mumapepanhau nedzinhepfenyuro, zviri kuratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato iri.

Dzimwe Nhau Kubva Ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG