Accessibility links

Breaking News

ZIMSEC Yoronga Kuzvidhindira Zvitupa Zvedzidzo Munyika


Sangano reZimbabwe School Examination Council, ZIMSEC, rinonzi rine hurongwa hwekuti zvitupa zvedzidzo, izvo zvaimbodhindwa kunze kwenyika, zvidhindwe munyika sezvo risina mari yekunze inodiwa kuita izvi.

Zvinonzi ZIMSEC haisati yadhindisa zvitupa izvi kwemakore maviri apfuura, sezvo isina mari yekunze. Zvinonzi vakanyora bvunzo vakangopiwa tumapepa twunoratidza kuti vakabuda sei pabvunzo dzavo.

Tatadza kubata Director veZIMSEC, VaHappy Ndanga, kuti tinzwe divi ravo.

Asi vamwe vane ruzivo nenyaya iyi vaudza Studio 7 kuti sangano iri riri mushishi yekuzivisa paramende nezvehurongwa uhu. Mwedzi wapera, VaNdanga vakaudza komiti yeparamende yedzidzo kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZIMSEC, vakakumbira kuti vanhu vose vaite muonera pamwe chuma chemuzukuru kuitira kuti zvinhu zvigadzirisike.

Mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaTakavafira Zhou vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti havatambire danho iri nemaoko maviri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG