Accessibility links

Breaking News

Vamiriri veMDC neZanu-PF Munhaurirano Vozeya Bumbiro Remitemo yeZimbabwe


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevatungamiri vezvikwata zviviri zveMDC, vanonzi vakatopihwa bumbiro remitemo richiri kuzeyewa kuSouth Africa pari zvino neMDC neZanu-PF.

Mubumbiro remitemo iri, munonzi mutungamiri wenyika anenge otonga kwematemu maviri, temu imwe chete iine makore mashanu, uye muchange muine mutemo wekodzero dzevanhu kana kuti Bill of Rights.

Asi nyaya yezvirango zvakatemerwa vakuru veZanu-PF, inonzi ingangokanganisa zvinhu, sezvo Zanu-PF iri kuti MDC ngaiudze vekunze kuti vabvise zvirango izvi. Asi MDC iri kuti haina simba racho. Nhaurirano idzi dziri kutarisirwa kupera mumasvondo maviri kana zvikafamba zvakanaka.

VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti zvakanaka kuti bumbiro iri riendeswe kuvanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG