Accessibility links

Breaking News

MDC Yozeya neMugovera Makakatanwa Ari Mubato


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kusangana nehutungamiri hwebato ravo mumatunhu akasiyana siyana munyika, vasati vaita musangano weNational Executive yavo neMugovera muHarare.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti izvi zviri kuitwa kuitira kuti VaTsvangirai vanzwe pfungwa dzevanhu vasati vapinda mumusangano uye kuda kunyaradza vari kupikisa zviri kuitika mubato pari zvino. NeChina, VaTsvangirai vanonzi vakaita musangano nevanhu vemuBulawayo, avo vanonzi vakabudira pachena VaTsvangirai kuti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa nyaya yasachigaro we Women’s Assembly, Amai Lucia Matibenga.

Zvinonziwo mamwe matunhu akatoudza VaTsvangirai kuti haasi kufara nezviri kuitwa kuna Amai Matibenga. Asi vanhu vashoma muhutungamiri hwe MDC, uho hunosanginisira munyori mukuru, VaTendai Biti, vakafanobata chigaro chasachigaro, VaLovemore Moyo, pamwe nemutevedzeri waVaTsvangirai, Muzvare Thokozane Khupe, vanonzi vari kutsigira mabatirwo akaitwa Amai Matibenga.

Asi veruzhinji muMDC, vachitsigirwa nevechiki vebato iri, vari kuramba kutambira kusarudzwa kwaMai Theresa Makone, sasachigaro we Women’s Assembly. Makakatanwa ari mu MDC achazeyiwa nuMugovera, apo bato iri richabuda nezvisungo zvakawanda.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti musangano uyu uchaita makakatanwa, asi vane tarisiro yekuti vakatadza vachatambira kutadza kwavakaita, kuitira kuti musangano ufambire mberi. VaGlenn Mupani vanoongorora zvematongerwo enyika. Tabata vaMpani kuti tinzwewo pfungwa dzavo panyaya iyi.

Ukuwo vakasarudzwa kuva mutungamiri weWomen’s Assembly pa Extra Ordinary Congress yakaitirwa mu Fast Climbers restaurant yaMuzvare Thokozani Khupe, Amai Theresa Makone, vanoti sekuziva kwavo vakasarudzwa zviri pamutemo, uye hapana anovabvisa pachigaro.

Asi vamwe muMDC vanoti havasi kutambira kusarudzwa kwaAmai Makone, sezvo kubviswa kwe Women’s Assembly inotungamirwa na Mai Lucia Matibenga, zvakaitwa zvisiri pamutemo. Ukuwo Mai Matibenga muhurukuro yatakaita navo neChina, vanoti ndivo vachiri sachigaro we Women’s Assembly.

Sezvo tichitema tisina kwatakarerekera, tatora mukana wekuti tinzwewo pfungwa dzaAmai Makone, avo vaita hurukuro naPatience Rusere weStudio Seven .

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG