Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakarwira Rusununguko Vonamatira Kuti Sarudzo Dziitwe Murunyararo


Chimwe chikwata chemawar veterans chinotevera VaAndrew Ndlovu chanzi chaita musangano kuBulawayo wekunamatira kuti sarudzo dzegore rinouya dziitwe murunyararo. Vakarwa hondo ava vanogara vachipomerwa mhosva yekushungurudza vanofungidzirwa kuti havatsigiri VaMugabe munguva dzesarudzo.

VaNdlovu, avo vakambomiswa kuve nechekuita nesangano iri mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekusafambisa zvakanaka mari dzesangano iri, vakadzoswa naVaMugabe kuti vambotungamira sangano iri muna 2004, mushure mekunge VaJabulani Sibanda, avo vaive mutungamiri panguva iyi, vamiswa kuve nhengo yeZanu PF zvichitevera kupinda kwavo musangano wekuTsholotsho musi wa 18 Mbudzi 2004.

Asi VaMugabe gore rino vakapa zvakare masimba ekutungamira vakarwa hondo ava kuna VaSibanda, muchiitiko chakaonekwa nevezhinji senzira yekuti vabatsirwe kutsvaga rutsigiro.

Tatadza kunzwa kuti munamato uyu wafamba sei, sezvo taenda pamhepo uchiri kuitwa.

Asi mumwe wevakarwa hondo, VaWilfred Mhanda, avo vaizivikanwa nezita rekuti Dzinashe Machingura munguva yehondo, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti hapana chakaipa kuti vakarwa hondo vanamatire nyika, asi kuti vari kutungamira hurongwa uhu havana kusarudzwa kuti vatungamire vakarwa hondo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG