Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC Inopfurwa naRetired Brigadier-General Mabenge Ikafa muKwekwe


Mashoko atatambira anoti imwe nhengo yeMDC, Clement Takaendesa, akapfuurwa akafa muKwekwe, neChitatu uye mumwe wake, Taurai Chigede, anonzi akakuvara zvakaipisisa.

Vaviri ava vanonzi vakapfuurwa vachiraura murwizi naRetired Brigadier-General Mabenge, avo vanonzi inhengo yeZanu-PF uye vaiva Chief election agent wegurukota rezvemaruva, VaEmmerson Mnangangwa, musarudzo dza2000 dzvavakakundwa naVaBlessing Chebundo veMDC. Rwizi urwu runonzi ruri muparazi raBrigadier Genera Mabenge.

Asi VaMnangagwa vaudza Studio 7 kuti havazivi Brigadier-General Mabenge, kunyange hazvo chiri chokwadi kuti vakabatsirwa musarudzo dza 2000 naRetired Brigadier General Mabenge. VaMabenge vanonzi vakasungwa nemapurisa.

Nyaya yekuurayiwa uye kurohwa kwenhengo dzeMDC iyi, inonzi nebato iri ingangokanganisa nhaurirano dziri kuitwa neZanu-PF ne MDC, idzo dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki. Nhaurirano idzi dzakatangazve neChitatu muSouth Africa. Asi SW Radio Africa, inoti nhaurirano idzi dzambomiswa zvichitevera kushayikirwa kwaitwa gurukota rezvemitemo, Va Patrick Chinamasa, nemwana wavo, uyo anga achidzidza muAmerica.

Munyori anoona nezvehutano muMDC, Dr Henry Madzorera, vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMabenge vakangopfura vanhu ava pasina kana ainge anetsana navo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG