Accessibility links

Breaking News

Constitutional Amendment Bill Number 18 Wava Mutemo


VaMugabe vakaisa runyoro rwavo paConstitutional Amendment Bill Number 18, kuti uve mutemo nemusi weChipiri. Asi mutemo mutsva uyu wakazobuditswa mu Gazette rehurumende neChitatu.

Vanoongorora nezvesarudzo, vanoti kana hurumende ichida kuti sarudzo dzegore rinouya dzifambe nemazvo, zviri mumutemo uyu zvinotofanirwa kutotanga kushandiswa izvozvi, sezvo nguva iri kufamba.

VaNoel Kututwa ndivo sachigaro veZimbabwe Election Support Network.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVaKututwa kuti tinzwe pfungwa dzavo

Ukuwo sachigaro weNational Constitutional Assembly, Doctor Lovemore Madhuku, vanoti Constututional Amendment Number 18 inoda kutarisiswa zvakare, sezvo zvimwe zvakabvumiranwa neMDC neZANU-PF, zvisina kunyatsozeiwa, apo bhiri iri rakaunzwa pamberi peparamende muna Gunyana.

Carole Gombakomba weStudio 7 aita zvakare hurukuro naVaMadhuku kuti tinzwe pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG