Accessibility links

Breaking News

MDC neZanu PF Dzosangana Zvakare Munhaurirano kuSouth Africa


Kutaurirana pakati peZANU-PF neMDC kwatanga zvakare neChitatu muguta rePretoria muSouth Africa. Mutauriri wemutungamiri weSouth Africa, VaRonnie Moepa, varamba kutaura nezvenyaya iyi.

MDC inotungamirwa naVaTsvangirai, iri kumiririrwa muhurukuro idzi nasachigaro webato iri, Va Lovemore Moyo, pamwe nemunyori mukuru webato, VaTendai Biti.

Chikwata chaVaMutambara chiri kumirirwa nemunyori mukuru wechikwata ichi, Va Welshman Ncube. Mazuva ose Zanu PF inogara yakamirirwa negurukota rezve mitemo, VaPatrick Chinamasa, pamwe negurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche.

Patience Rusere weStudio7, abata munyori anoona nezvekunze muMDC, Professor Elphas Mukonoweshuro, kuti tinzwe zviri kukurukurwa ku South Africa.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG