Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzemu Zimbabwe Dzounza Pundutso muSouth Africa


Sangano reSolidarity Peace Trust rinoti nepamusana pekuoma kwaita zvinhu muZimbabwe, mabhizinesi ezvizvarwa zveku South Africa, ava kushandisa nyanzvi dzemuZimbabwe asingadzibhadhare zviri pamwero mumakambani ari muZimbabwe, pamwe neari muSouth Africa.

Izvi zvabuda mugwaro reSolidarity Peace Trust, iro raparurwa muJohannesburg neChipiri. Gwaro iri rinonzi ‘’A Difficult Dialogue”. Gwaro iri rinoti South Africa icharamba ichiita bhizinesi neZimbabwe, uye nyanzvi dzemuZimbabwe dzakawanda dziri kubatsira mukusimudzira hupfumi weSouth Africa, kunyange hazvo vazhinji vavo vasingabhadharwe zvakanaka.

VaPhillip Pasirayi vanoongorora zviri kuitika munyika, uye vari kushanya senyanzvi, visiting scholar, paUniversity of North Carolina muno muAmerica.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza VaPasirayi kuti vanofungei negwaro iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG