Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yomanikidza Vanhu Kurima Chibage


Hurumende mwaka uno iri kutarisirwa kutanga kumanikidza varimi kurima chibage izvo zvakamboitwa kuSoviet Union mumakore apfuura, asi zvikasabudirira.

Gurukota rezvekurima, VaRugare Gumbo, vakaudza bepanhau reHerald kuti varimi vose vanofanirwa kurima hectare imwe chete yechibage.

Hurongwa hwekumanikidza varimi vose kuti varime chibage, huchange huchitungamirirwa nemakurukota ehurumende mashanu, Reserve Bank of Zimbabwe, Agribank, pamwe nemauto achitungamirwa naBrigadier General Douglas Nyikayaramba. Magavhuna, madzishe nemasadunhu ndivo vachange vachishandawo nevanhu pasi.

Nyika inoda chibage chinosvika mamiriyoni maviri ematani pagore. Asi kubvira zvakatanga hondo yeminda muna 2000, hapana chibage chakawanda chiri kukohwewa.

VaRenson Gasela ndivo munyori munyaya dzekurima muMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara. VaGasela vanoti hectare imwe yechibage inokwana kuti vanhu vadye havo semhuri, asi haingabatsire nyika.

Nyanzvi munyaya dzekurima, VaRoger Mpande, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvekumanikidza vanhu kurima mbeu dzinenge dzichidiwa nehurumende, hazvishande.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG