Accessibility links

Breaking News

ZESN Inoti Inotambira Kuwedzerwa Kwenguva Yekuti Vanhu Vanyorese Kuvhota


Sangano reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti riri kutambira danho ratorwa nehurumende rekuwedzera nguva yekuti vanhu vakwanise kunyoresa kuti vakwanise kuvhota gore rinouya.

Sangano iri rinoti rinotarisira kuti vanhu vakatadza kunyoresa pachirongwa chapfuura, vachakwanisa kunyoresa rwendo runo.

Asi ZESN inoti hapana kushambadzwa kwakakwana kuri kuitwa nebazi rekwa Registrar-General pahurongwa uhu.

Ukuwo, bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai kuBulawayo, rati chirongwa ichi chiri kusiya dzimwe nzvimbo dzinogara vanhu vakawanda idzo dzakambosiyiwa nechirongwa chekutanga.

Hurumende yakawedzera nguva kubva Chishanu svondo rino kusvika pakati pemwedzi unouya, kuitira kuti vanhu vakwanise kunyoresa.

Sachigaro weZESN, VaNoel Kututwa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanovimba kuti vanhu vachakwanisa kunyoresa mumasvondo matatu apiwa nehurumende aya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG