Accessibility links

Breaking News

Mai Matibenga Vokwidza MDC Kumatare Edzimhosva


Hutungamiri hweMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, neMuvhuro yakapihwa mapepa ekuendeswa kumatare edzimhosva nevaimbove sachigaro weWomens Assembly mubato ravo, Amai Lucia Matibenga.

Amai Matibenga vari kuda kuti dare rimise Extraordinary Congress iri kuda kuitwa nebato iri mukupera kwesvondo iyo ichasarudza vatungamiri vatsva vegungano revanhukadzi.

Mumagwaro avo kumatare edzimhosva, Amai Matibenga vanoti vakuru vebato iri, kana kuti Standing Committee, yakatyora bumbiro remitemo yebato apo vakapunza hutungamiri hwe Women’s Assembly, vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Nyaya yaAmai Matibenga iyi yaunza kusawirirana kwakanyanya mubato iri.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti havana zvakawanda zvavangataure panyaya iyi, vachiti havangafukure hapwa, asi kuti nyaya iyi inogadziriswa mubato ravo. Amai Matibenga varambawo kutaura nezvenyaya iyi.

Asi vamwe vane ruzivo nezviri kuitika vanoti kunyange hazvo vakuru vebato vari kuti sarudzo dziitwe paExtraordinary Congress, hapana audza Amai Matibenga kuti sarudzo dziri kuitirwa kupi, uye kuti kana vachida kuendesa mapepa avo ekuti vavhoterwezve, vangaaendesa kupi.

Teressa Mugadza igweta uye achiongorora nyaya dzezvematongerwo.

Teressa audza mutori wenhau Blessing Zulu kuti mabatirwo ari kuitwa Amai Matibenga ndiwo ari kuitwa madzimai akawanda mumapato ezvematongerwo enyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG