Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vofa Muzvipatara Nepamusana Pekushaikwa Kwemagetsi


Dambudziko rekushaikwa kwemagetsi rinonzi rasvika pasina kunaka. Mashoko anoti vanhu vanosvika vashanu vakafa pachipatara cheParirenyatwa svondo rapera, mushure mekuenda kwakaita magetsi kemaawa gumi nemaviri.

Vamwe vana chiremba vataura neStudio 7 vanoti, vakashaya ava ,vanosanganisira mumwe mudzimai akanga aine pamuviri, aifanirwa kuitwa oparesheni zvechimbichimbi. Studio 7 yatadza kutaura nevakuru vepaParirenyatwa kuti tinzwe zvizere nezvenyaya iyi, sezvo nhare dzavo dzanga dzisiri kudairwa.

Zvichakadaro, vamwe vashandi vepazvipatara zve Avenues Clinic ne West End Clinic, vanotiwo zvipatara izvi zviri kushandisa majenareta chete kwesvondo rese, sezvo zvisina magetsi, uye izvi zvinonzi zvatomisa kurapwa kwevamwe varwere.

Mudzimwe nzvimbo dziri muHarare, vanhu vatove nemazuva anosvika gumi vasina magetsi. Vagari ava vari munzvimbo dzakaita se Avondale ne Cranborne Park, vanoti ZESA iri kuvaudza kuti mafuta anoshandiswa muma transformer akabiwa, izvo zviri kupa kuti kambani iyi itadze kuita basa rayo.

Munzvimbo dzakaitawo seMutare, Bulawayo nemamwe maguta, magetsi anonzi ari kungowanikwa kwemaawa maviri chete pakati pehusiku.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi reZESA pane zviri kuitika izvi sezvo vatungamiri vavo, vanga vachinzi vari mumisangano zuva rese.

Asi mumiriri we Glen Norah muparamende muMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, Mai Priscillah Misiharambwi-Mushonga, vanova zvakare nhengo yekomiti yeparamende inoongorora nezvekufambiswa kwemari mumapazi ehurumende, vaudza mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, kuti matambudziko akatarisana neZESA aya, ari kubuditsa pachena kuti ZESA yaparara.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG