Accessibility links

Breaking News

Zuva reWorld Food Day Rorangarirwa Veruzhinji Vaine Nzara


Vanhu vemuZimbabwe vakabatana neChipiri nedzimwe nyika mukucherechedza kuwanikwa kwechikafu chakakwana pasi rose, kana kuti World Food Day.

Sangano reUnited Nations rinoti vanhu mamiriyoni mazana masere nemakumi matanhatu vakatarisana nenzara pasi rose.

MuZimbabwe vanhu vanosvika mamiriyoni mana havana chikafu chakakwana. Mubatanidzwa wemasangano akazvimirira oga weNANGO, wacherechedzawo zuva iri munyika, nekushanyira nzvimbo dzinogara veruzhinji.

NANGO yashanyira misha yeEpworth neMufakose uko vanzwawo pfungwa dzeveruzhinji.

VaFambai Ngirande, avo vanoona nezve kufambiswa kwemashoko muNANGO vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti veruzhinji havana kunyanyoita hanya nekucherechedza zuva iri sezvo vanga vari mushishi yekutsvaga chikafu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG