Accessibility links

Breaking News

Bishop Kunonga Vodzingwa muAnglican Church


Chechi yeAnglican neChishanu yakaendesa magwaro kudare reHigh Court ichida kuti Bishop Nolbert Kunonga, vadzore midziyo yose yechechi uye vashandisa mari yechechi iri mumabhanga sezvo vakazvidzinga voga mukereke iyi.

Mumagwaro aendeswa kudare reHigh Court, Anglican Church inoti Bishop Kunonga vakangoita fungiramumoyo rwendo rwembwa, ndokuti Harare Diocess yabuda muAnglican Church vachiti havasi kutenderana nenyaya yekuti Anglican Church kana kuti African Province of Central Africa iri kutsigira mabasa ehungochani.

Anglican Church inoti yave kutyira kuti VaKunonga vachashandisa mari yechechi kuumba sangano ravo. Vamwe vaendeswa kumatare iStandard Chartered bank, Imara Asset Management, pamwe neKingdom Asset Management.

Makambani aya ari kuda kunzi asarege VaKunonga vachitora mari yeAnglican Church.

Studio 7 yatadza kubata Bishop Kunonga, asi vachitaura nenhepfenyuro yeZBC mazuva mashoma apfuura, VaKunonga vakati ngochani dzekuBritain, America nekumawirira dziri kukanganisa basa remudunhu mavo dzichishandisa mari.

Mutevedzeri wasachigaro weHarare Diocese Trust, VaPhilip Bhaki Mutasa, vachitsigirwa naBishop Trevor Mwamba vekuBotswana, ndivo vakwidza nyaya iyi kumatare.

VaMutasa vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti havanzwisi kuti VaKuononga vanodei chaizvo sezvo vanhu vose vari kutenderana kuti ngochani ngadzinamatirwe dzidzoke muchitendero.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG