Accessibility links

Breaking News

PTUZ Yonyorera Mutungamiri Wenyika Tsamba Yezvinyunyuto


Varairidzi vari pasi pesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, vanonzi vakateerera kurudziro yesangano ravo yekuti vadzokere pamabasa apo panenge pachitsvagwa nzira dzekugadzirisa zvichemo zvavo.

Sangano iri rati riri kunyorera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, tsamba yezvinetswa zvavo richivazivisa nezvarati zviri kunyunyutwa nevarairidzi.

Kutangawo China PTUZ ichange ichiita kuti varairidzi vasaine gwaro iri, uye panofungirwa kuti pachawanikwa mukana wekusangana nemutungamiri wenyika mwedzi uno usati wapera.

NeChitatu, sangano iri rakakurudzira nhengo dzayo kuti dzidzokere kumabasa, richiti raisa matambudziko ari kutarisana nevana vechikoro pamberi uye kuitira kuti vabereki vave nechivimbo navo.

Nhengo dzesangano iri dzanga dzava nemasvondo mana dzichiramwa mabasa dzichida kuti mari yadzinotambira iwedzerwe.

Munyori mukuru wesangano iri, VaRaymond Majongwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti VaMugabe semurairidzi mukuru, vanofanirwawo kunzwa zviri kunetsa vadzidzisi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG