Accessibility links

Breaking News

Mai Matibenga Voramba Kutambira Kubviswa kweHutungamiri hweMDC Women's Assembly


Nhengo huru yeMDC mugungano revanhukadzi, kana kuti Women’s Assembly, Mai Lucia Matibenga, vanoti vakakatyamadzwa kuona mubepanhau, mashoko ekuti hutungamiriri hwe Women’s Assembly, hwabviswa neMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai.

Sachigaro ve MDC, Va Lovemore Moyo, vakaudza Studio 7 neChipiri kuti bato ravo rabvisa pazvigaro, hutungamiriri hwe Women’s Assembly, sezvo ongororo yakaitwa neMDC, yakaratidza kuti basa ranga risiri kufambiswa zvakanaka.

VaMoyo vakati danho ravakatora iri, harina kunangana naMai Matibenga chete, asi kuti vose vane zvigaro muWomen’s Assembly.

Mai Matibenga vaudza mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba kuti, semaziviro avo, vachiri pachigaro chavo, zvichireva kuti havasi kutambira zvakaitwa nebato ravo.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG