Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Kusendekwa Kwenyaya Dziri Kupomerwa Nhengo dzeMDC


Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti danho rakatorwa nehurumende rekumisa kuenderera mberi kwekutongwa kwenyaya dzanga dzichipomerwa nhengo dzeMDC, inzira yeZanu PF yekuda kutyisidzira mapato anopikisa kana patarisanwa nesarudzo.

Nyanzvi idzi dzinoti hachisi chinhu chitsva chekuti vanopikisa hurumende vanosungwa vachipomerwa mhosva dzeugandanga, nyaya dzavo dzozoraswa nekupindana kwenguva.

NeMuvhuro, muchuchisi munyaya dzekutongwa kwenhengo dzeMDC akakumbira mutongi wedare kuti asaenderere mberi nemhosva idzi, sezvo hurumende yakanga isina humbowo hwakakwana.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti izvi zvinhu zvicharamba zvichiitika kusvika sarudzo dzaitwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG