Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yorasa Nyaya Dzanga Dzichipomerwa Nhengo dzeMDC


Dare redzimhosva muHarare rati harisi kuzoenderera mberi nenyaya dzanga dzichipomerwa nhengo dzeMDC makumi matatu, idzo dzakasungwa muna Kurume dzichipomerwa mhosva dzekuita zvehugandanga.

Panhengo makumi matatu neimwe dzanga dzichipomerwa mhosva dzekuda kupidigura hurumende, imwe chete, VaIshmael Kauzani, ndivo chete vanzi nemuchuchisi vachiri kuferefetwa paine tarisiro yekuti vamiswe pamberi pematare edzimhosva.

Mutongi wedare ramagistrate, VaKudakwashe Jarabini, vapa mutongo uyu zvichitevera chikumbiro chemuchuchisi chekuti nyaya idzi dzisaenderera mberi mudare.

Nhengo dzeMDC dzinosanganisira mumiriri weGlen View muparamende, VaPaul Madzore, mukuru anoona nezvesarudzo, VaIan Makone, mukuru wezvevashandi mubato iri, VaKudakwashe Matibiri, nevamwe, vakasungwa vachipomerwa mhosva dzekuda kupidigura hurumende nechisimba, kudzidzira zvehugandanga kuSouth Africa, pamwe nekubhomba zvivakwa zvehurumende.

Asi nhengo dzeMDC idzi dzakaramba kuti dzainge dzapara mhosva dzadzaipomerwa idzi.

Gweta riri kumirira nhengo dzeMDC idzi, VaAlec Muchadehama, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti zvabuda pachena kuti hurumende yanga ichida kunamira mhosva pasina ronda.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG