Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Orumisa Nembwa Vanhu Vanga Vachida Kutenga Shuga kwaMutare


Vanhu vakawanda vanonzi varumiswa nembwa dzemapurisa kwamutare, vakakuvara zvakaipisisa apo vange vari mumusetse wekuda kutenga shuga muchitoro chekwa OK.

Vaona zvichiitika vanoti mapurisa asvika pachitoro ichi, ndokubva atanga kurova vanhu vanga vakamira mumutsetse vasingaite zvemhirizhonga.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai mudunhu reManicaland, Va Pishai Muchauraya, avo vaona zvaitika, vanoti vanhu vasere varumwa zvakaipisisa nembwa ndokubva vaendeswa kuchipatara kuti varapwe maronda avo. Studio haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Nhepfenyuro ino yakwanisa kubata mumwe wevanhu varumwa nemba kwaMutare neMuvhuro, Amai Chipo Mwatse, avo vanogara muSakubva.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza Amai Mwatse kuti chii chaitika pavanga vamire mumutsetse.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG