Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weSenegal VaAbdoulaye Wade Voda Kubatsirawo Zimbabwe


Mutungamiri wenyika yeSenegal VaAbdoulaye Wade vanoti varikuda kuenda kuZimbabwe kuti vanotaura nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nezvekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

VaWade vanoti havana chivimbo kuti VaMbeki vangagadzirise zviri kunetsa muZimbabwe.Mutungamiri weSenegal anoti sangano re African Union, rinofanira kuve nechekuita nenhaurirano idzi, vakatiwo vanhu vemuZimbabwe varikuona nhamo kunyangwe hazvo VaMugabe varikuti hapana dambudziko.

Asi vamwe vakuru muhurumende vasina kuda kudomwa nemazita vanoti hurumende iri kugutsikana nezviri kuitwa naVaMbeki nekudaro kuuya kwavaWade kungopedzawo nguva.

Sachigaro weNCA Dr Lovemore Madhuku vati vanotsigira pfungwa dza VaWade sezvo VaMbeki vakaratidza kuti hapana kwavachasvika pavakarega kukoka mamwe masangano kudare ravo.

Asi VaNelson Chamisa mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu, kuti parizvino vachiri kumbotarisana nezvaVaMbeki.

Va Wade, vakambotaura zvakare mashoko aya, paCATO Insitute muno muAmerica mwedzi wapfuura, vachiti vatungamiri vemuAfrica, havasi kuita zvakakwana pakuedza kupedza matambudziko akatarisana neZimbabwe.

Executive Director ve Civic Alliance on Democracy and Governance kana kuti CADEGO, VaFarai Maguwu, avo vanoongorora zvematongerwo enyika, vaudza mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba kuti mashoko ava Wade aya, anofanirwa kutorwa zvinehudzamu.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG