Accessibility links

Breaking News

Vavhimi Vopisa Mapurazi eMapuranga Kutsvaga Nyama Kusanganisira Mbeva


Kuoma kwaita zvinhu munyika kwava kupa kuti vamwe vagari vekuChimanimani vapise mapurazi emiti yemapuranga apo vanenge vachivhima mhuka dzemusango kusanganisira mbeva.

Vamwe vavhimi vataura ne Studio 7 vanoti zvinhu zvakomera vagari venharaunda iyi zvekuti vari kuvhima mhuka dzemusango kusanganisira mbeva kuti vawane usavi.

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika Amai Joyce Mujuru umwe wevanhu vanoti vari kushungurudzika nekupiswa kwemiti mumapurazi emiti kuChimanimani. Amai mujuru vakaudza vanhu muguta remaMutare nemusi weChishanu pakuvhurwa zviri pamutemo kweshow yegore rino kuti izvi zviri kudzosera nyika mumashure ,sezvo miti yakaparadzwa yemipuranga inopfuura mahekita zviuru nemazana matatu kana kuti 1 300 hectares uye ichikosha mari yekunze inosvika madhora mabhiriyoni akawanda.

Kunyange hazvo hurumende iri kuchema chema nekuparadzwa kwemiti, VaFarai Maguhu vesangano reCivic Alliance for Democracy and Governance, kana kuti CADEGO vanoti hurumende yeZANU-PF inofanirwa kugadzirisa zviri kupa kuti vanhu vaite sezvavari kuita kuChimanimani kwete kuda kungopomera vanhu mhosva ivo vari kudya nhoko dzezvironda.

Mutori wenhau we Studio 7 Loirdham Moyo, ari ku Chimanimani anotipa nyaya iyi.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG