Accessibility links

Breaking News

Vatori Venhau Vokumbira Va Mbeki neHurumende Kuti Vavimbise Kuchengetedza Vatori Venhau


Vatori venhau muZimbabwe vanoti mutungamiriri weSouth,VaThabo Mbeki,avo vari kutungamira hurukuro pakati peZANU-PF neMDC dzakanangana nekugadzirisa matambudziko munyika vanofanirwa kuziviswa nezvekutyisidzirwa nekushungurudzaa kurikuitwa vatori venhau munyika nehurumende yaVaMugabe.

Mashoko aya abuda pamusangano waitwa nevatori venhau muguta vachizeya gwaro rakabuditswa svondo rapfuura rine mazita gumi nemashanu evatori venhau varikupomerwa mhosva yekushanda nemasangano nenyika dziri kuda kubvisa hurumende pachigaro.

Gwaro iri rakaburitswa nesangano reCommiitee to Protect Journalists rinonzi rakabva kuhurumende yeZimbabwe kunyange hazvo hurumende ichiramba kuti igwaro rayo.

Mutori wenhau we Studio 7, Irwin Chifera aita hurukuro nemutauriri wevatori venhau ava, Foster Dongozi, ndokutipa nyaya inotevera.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG