Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oga Oungana muBulawayo Kuti Azeye Nyaya yeBumbiro Remitemo


Masangano akazvimirira oga ari kusangana neMugovera muBulawayo, kuitira kuti akurukure nezve chibvumirano che MDC neZANU-PF panyaya yekuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika.

Zvichitevera chibvumirano ichi svondo rapera, masangano aya akatanga kuchema nerekuti MDC yainge yatengesa. Vanoziva nezve nyaya dziri kutika pakati pemasangano akazvimira oga, vanoti hukama hweNCA neMDC hauna kumira zvakanaka.

VaEarnest Mudzengi ndivo mumwe wevari kuronga musangano wemangwana, uye vari National Director veNCA.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMudzengi kuti tinzwe nezvehurongwa hwavo hwemangwana.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG