Accessibility links

Breaking News

Vana Vechikoro Vodzingirwa Varairidzi Vavo kuMhondoro neZaka


Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rati varairidzi vari kuramwa mabasa mumaruwa anoti Mhondoro-Ngezi neZaka, vari kushungurudzwa nevabereki avo vari kuti ngavabude mudzimba dzezvikoro dzavari kugara.

Sangano iri rati vamwe vabereki kwaMubaira kuMhondoro vanzi vari kuenda mune zvikoro zvine varairidzi vari kuramwa mabasa, vachiridza ngoma nekuimba vachiti varairidzi ava vabve pazvikoro izvi.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vabereki vanofanirwa kunzwisisa kuti dambudziko rine varairidzi rino kanganisa kudzidza kwevana vavo, kwete kuvenga varairidzi padanho ravakatora iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG