Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voudza Mass Public Opinion Institute Kuti Vangangovhotere ZANU-PF


Sangano re Mass Public Opinion Institute rinoti vanhu vanodarika zvikamu makumu matatu kubva muzana vanoti vachatsigira ZANU-PF musarudzo dzegore rinoouya, uye vanhu vanodarika makumi maviri kubva muzana, vanoti vachavhotera MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvanigirai.

Chikamu chimwe chete kubva muzana chinoti chichavhotera MDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara. Ongororo yekunzwa pfungwa dzevanhu iyi, yakaitwa muna Kubvumbi.

Nhanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari mutungamiri we MPOI, Professor Eldred Masunungure, vanoti havana kukwanisa kubvunza vanhu ava, kuti seyi vangade kuvhotera ZANU-PF kana kuti MDC.

VaPedzisayi Ruhanya ndivo Senior Programs Manager weCrisis In Zimbabwe coalition.

Patience Rusere weStudio Seven abvunza VaRuhanya kuti vanoona seyi zviri kutaurwa neMPOI.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG